Kuchengetwa kweChimiro chaMatenga
1 Izvi hazvingashamisi aninaani, asi zvinhu zviripo zvinofanirwa kunyorwa.
2 Zvino vaya vakatora Matenga muGuta, ndivo vakachengeta Chimiro chavo.
3 Sezvo chitunha chaMatenga ichi chakanga chagara mazuva mana, rechina ndokukotswa.
4 Pakati pemazuva mana ava, pakanga paine bishi nemheremhere.
5 Sezvo vamwe vakanga vachikwira nekudzika kuti pangagadziriswa sei.
6 Vamwe vaienda kwaNyamushanya asi zvinhu zvakaramba zvakaoma bedzi; pakashaikwa kuti pangaitwa sei.
7 Kusimuka kwaBaba muAfrica kwakanetsa kana ukaisa pfungwa pakadzama.
8 Asi zvisinei, pakatsika rekutanga ndopatsika reshure.
9 Paguta ipapo pakazogadzirwa, pakazovakiwa imba huru ine muchinjikwa muchena pamusoro payo.
10 Zvino Chimiro chaMatenga chakazovakirwa nemukati memba yacho.
11 PaGuta iroro pane dzimbawo, uye panogara vanhu vanochengeta ipapo.
12 Vanopindawo svondo katatu pazuva, vachikudzawo Musiki wavo.
13 Muchengeti wacho mukuru ndiChiweshe nevamwewo varipo.
14 Vakaenda kurinda paChimiro ipapo; pakavakiwa zvinoshamisa chaizvo.
15 Pane geti rakavakiwa usati wasvika pamba yacho iyoyo, rakavakiwa zvinoshamisa chaizvo.
16 Nemukati memba yacho iyoyo makagadzirwa zvinoshamisawo, nemufananidzo waMatenga mukuru chaizvo urimo.
17 Asi ini ndinoti chinhu ichochi chikuru chaizvo pakati pehana dzavo.
18 Saka ini, hama dzangu, ndinoti zviri pamunhu kuzvifungira kuti tose takasangana naMwari.
19 Munhu oziva zvaakanzwa nezvaakaona Matenga achiita pamberi pemeso ake.
20 Ini ndinoti vanhu ava vanoziva chavakagarira; zvirikuMatenga bedzi.
21 Matenga ngavaropafadze aya mashoko avo aya nekusingaperi. Amen.