Majaha Nemhandara muGuta raVaJehova
1 Zuva iroro mangwanani eSvondo, majaya nemhandara vakanga vakapfeka yunifomu vakasimudzwa.
2 Vakamiswa rutivi rwavo vega.
3 Vakaendeswawo naVaM. Mushonga naVaTewende nevamwewo.
4 Vakomana nevasikana vakanga vasina yunifomu vakaendeswawo kuJorodhani nevamwewo vatungamiriri vakanga vasarudzwa.
5 Vakanga vasina yunifomu vaiimba rwiyo rwavo rwekuti,"Ndasunungurwa nemudirongo rangu."
6 Vakanga vakapfeka yunifomu vaiimba,Vakanga vakapfeka yunifomu vaiimba, "Jerusarema musha wangu, musha wakanaka.musha wangu, musha wakanaka."
7 Pakudzoka kwavo, vakanga vaine yunifomu vaya vaipembera nemashizha avo nezvigumbu zvavo.
8 Vakanga vasina yunifomuwo vakanga vachipemberawo, vachiimbawo rwiyo rwavo.
9 VekuJerusarema vagadzikwa pasi, vakaita maraini maviri; revakomana rega, revasikana rega.
10 Vakanga vakatarisa kumabvazuva.
11 Matenga vakanga vagadzira mushonga wemvura.
12 Vasikana vakanga vachinwiswa, vachinembwa nyembo pahuma dzavo.
13 Vakomana vakanga vachidonhedzerwa mushonga iwoyo mumaziso avo.
14 Matenga vachiti,"VaJehova bvisai ruchiva mumaziso avo."
15 Izvi zvakatyisa nemwoyo wangu, vanhu vaJehova.
16 Matenga vakati,"Nhasi munhu wozvisarudzira ega kuti unoda here kuenda ikoko kumatambudziko, kujeri raSatani."
17 Baba vakati,"Baba havadi mwana akatapudzwa ropa nevakomana."
18 Kana akauya akadaro kuno, anoraswa.
19 Asi Baba naMai, modya chuma chenyu muchinatsa kuziva kuti mwana wenyu akakwana.
20 Ngatichemererei tichiri vapenyu muMatenga; mudenga mune jeri raSatani. Amen.