Isita Yokupedzisira naMatenga
1 Isita iyi yakava Isita yakakosha kukunda Isita dzose.
2 Yakanga iri Isita yokupedzisira kuva naMatenga pasi pano panyama.
3 Vakanga vachitirapa, vachitipa zviziviso, vachitipfekedza Jeneti , Masoja, Miriamu, neJerusarema.
4 Tichitenderera navo, sezvo vakanga vari mufudzi vakanga vari mukati mehwai dzavo.
5 Nyika yose yakakokwa, zvakanga zvichityisa chaizvo.
6 Mazana nemazana, zviuru nezviuru zvevanhu vakuru nevadiki, vakatinhira kuuya muGuta.
7 Nyika yakatinhira zvakatyisa; vaiuya nezvitima, zvikazara; mabhazi, marori, nedzimwe motokari diki dzikazarawo.
8 Zvikashaya nezororo nekututa vanhu kuunza muGuta raVaJehova.
9 Nguva idzodzo dzaityisa chaizvo vanhu vaShe, kana ukadzirangarira.
10 Guta rakatanga kuzara nevanhu, dzimba dzose dzikazarawo, nekugedhi kukazarawo, zvikava nekutyisa.
11 Vamwe vakaendeswa kuna Gambinga, akazarawo.
12 Zvino vamwe vakagara panze vachibikira ipapo, vachirarawo ipapo.
13 Taiti tapinda Mudivi , Divi rose raizara rikava nekufashukira vanhu vaMwari.
14 Baba vaiti vorapa, raini rekurapa raitangira pedyo nekugedhi richisvika pedyo nepakaguma Guta .
15 Paiva nemutinhimira wakanga uchityisa chaizvo.
16 Yakati nguva yekupfekedzwa kwevanhu yakwana, pakapfeka mazana nemazana evanhu vakanga vakagarira.
17 Nekuti vakanga vachiziva kuti mbatya iyi ine upenyu panyama nepamweya, uye inonunura zvizhinji paupenyu hwako.
18 Asi kunze kweavo vakanga vaine mwoyo mikukutu, vakasara vakadaro panguva idzodzo.
19 Kuzoti vanhu vapfeka iyi yunifomu, vakuru nevadiki vakawanda zvakanga zvichityisa chaizvo.
20 Kuzoti vanhu vapfeka, Baba vakasimuka vakati,"Mapfeka iyi yunifomu, haidikanwi kuti udarike uinayo."
21 "Kunoti: kupomba, kuroya, kuba, kuenda kudzin'anga, kunwa nekuputa fodya nezvimwewo zvese zvakadaro."
22 Matenga vakati,"Vana vangu, yunifomu iyi mapfeka ndangoturika kana pamuroyi kana pamhombwe, zvanzi pfekedza bedzi."
23 Zvino vakati,"Vasara vakadaro, Pitrosi naMariya, ndiyani achazokupfekedza zvauri kuramba kupfeka?"
24 "Ona, vasara vakadaro vashinga kusara vakadaro pane izvi, mwanangu."
25 Zvino tose hatina kuziva kuti zvakarevei nekuti hapana akanobvunza kuti,"Baba shoko iroro rinorevei?"
26 Bedzi kune vanofunga, zvichida vaireva kuti vachazopfeka vanonopfeka ivo vasisipo panyama.
27 Sezvo rakanga riri zuva ravo rokugumisidza kupfekedza vana vavo ivo vachiripo panyama.
28 Zvino munhu ngaazvifungire, azive chaakafambira muGuta ravo Matenga , musha usingasarudzi munhu kwete.
29 Matenga ngavakomborere mashoko avo nekusingaperi. Amen.