Matenga Vanopindura Mvura Kuva Mushonga
1 Kuzoti ava mangwana acho, nemusi weMuvhuro.
2 Vanhu vaya vakanga vauya kuEaster vakanga vasati vaenda.
3 Matenga vakatarisa mukati mevanhu vavo, vakaona muine kuchema kwevanhu vazhinji-zhinji vachiti,"Toiteiko kuti tidzokere tisina mishonga wemvura?"
4 Zvino Matenga vakaziva kufunga kwavo.
5 Vakati mangwanani zuva risati rabuda, vanhu vese vakamuka vakapinda Mudivi vachiimba rwiyo runoti,vachiimba rwiyo runoti, "Tenzi taungana muno mumba menyutaungana muno mumba menyu".
6 Matenga vakabuda mumba vakati nezwi guru,"Endai kurwizi nemigomo yenyu, muzadze nemvura zhinji-zhinji."
7 Zvino vakadzi vakaenda kunochera iyo mvura vakauya nayo iri mumigomo yavo. Tarisa St. Johane 2: 1-12.
8 Kwakaunganidzwa mazana matatu ane makumi mashanu emabhagidhi azere nemvura.
9 Matenga vakanamatira aya mabhagidhi azere nemvura; akava mishonga yakasiyana-siyana ose.
10 Aiva nezvirwere zvakasiyana-siyana zvakadai: musoro unorwadza, maziso, musana, asima, mvura yenhumbu, nezvirwere zvakasiyana-siyana zvandisina kunyora.
11 Matenga vakati,"Torai bhuku rakanyorwa mishonga inodikanwa nevanhu."
12 Matenga vakatanga kunamatira mvura yose iri mumugomo umwe neumwe vachiti,"Iyi imvura yemushonga wewenhumbu; iyi yemusoro unorwadza; iyi yeupfumi; iyi yemapofu; iyi yembeveve; iyi yemapenzi; iyi yevazere vane vana; kusvikira marudzi ese ezvirwere apere, andisina kunyora."
13 Ndakaona vanhu vazhinji-zhinji vachiimbira mvura iyoyo, ikashandurwa ikava mishonga.
14 Vanhu ivavo vaitora mvura iyoyo nerufaro rukuru kwazvo.
15 Vachitora vachimwa, vamwe vachitora vachienda nayo kudzimba dzavo, vamwe vachienda nayo kumamisha kwavo kwakasiyana-siyana.